Psalms 86

Munyengetero waDhavhidhi.

1Inzwai, imi Jehovha, mundipindure,
nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa.
2Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri.
Muri Mwari wangu;
ponesai muranda wenyu anovimba nemi.
3Ndinzwirei ngoni, imi Ishe,
nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.
4Vigirai muranda wenyu mufaro,
nokuti kwamuri, imi Ishe,
ndinosimudzira mweya wangu.

5Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe,
muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.
6Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha;
inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu.
7Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu,
nokuti muchandipindura.

8Haiwa Ishe, hakuna akafanana nemi pakati pavamwari;
hakuna mabasa akaita seenyu.
9Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya
kuzonamata pamberi penyu, imi Ishe;
dzicharumbidza zita renyu.
10Nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa;
imi moga ndimi Mwari.

11Haiwa Jehovha, ndidzidzisei nzira yenyu,
uye ndichafamba muzvokwadi yenyu;
ndipei mwoyo mumwe,
kuti ndigotya zita renyu.
12Ndichakurumbidzai, imi Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose;
ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.
13Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri;
makandirwira paguva rakadzika.

14Haiwa Mwari, vanozvikudza vari kundirwisa;
boka ravanhu vane utsinye rinotsvaka upenyu hwangu,
vanhu vasina hanya nemi.
15Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha,
anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka.
16Dzokerai kwandiri mundinzwire ngoni;
ipai simba renyu kumuranda wenyu,
uye muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.
17Ndipei chiratidzo chokunaka kwenyu,
kuti vavengi vangu vazvione vagonyadziswa,
nokuti imi Jehovha makandibatsira uye mukandinyaradza.
Copyright information for SnaBDSC